Accessibility links

Breaking News

Muzvare Khupe: Mari Yekushandisa Muzvirongwa zve HIV/Aids Ishoma


Mutewedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozani Khupe, vari kupinda mumusangano we UNAIDS uri kuitirwa muWashington.

Musangano uyu uri kutarisa nyaya dzechirwere che HIV/Aids muvanhukadzi muZimbabwe.

Muzvare Khupe vaudzawo Studio7 neMuvhuro muWashington DC kuti dambudziko renzara ndiro riri kunyanya kunetsa munyika mumabasa ehurumende ekurwisa nyaya dze HIV/Aids.

Muzvare Khupe vatenda masangano akazvimirira oga, kusanganisirawo National Aids Council mubasa ravo rekuedza kupedza dambudziko re HIV/Aids.

Asi vatiwo mari ndiyo iri kuita shoma kuitira kuti vakwanise kurwisa dambudziko iri zvakakwana.

Muzvara Khupe vari kupinda musangano uyu pamwe chete nemutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Murisi Zwizwai, uye Amai Paurina Gwanyanya, gurukota rezvemabasa evashandi.

Musangano uyu uri kupindwa nemakurukota echidzimai emu Africa, pamwe nevamiriri vemasangano akazvimirira oga.

XS
SM
MD
LG