Accessibility links

Breaking News

Muzvare Rushwaya naMuzvare Marry Mubayiwa Voendesa Zvikumbiro Zvavo kuDare rePamusoro


VaConstantino Chiwenga nemudzimai wavari kunetsana naye, Muzvare Marry Mubayiwa
VaConstantino Chiwenga nemudzimai wavari kunetsana naye, Muzvare Marry Mubayiwa

Dare repamusoro nhasi ranzwa chikumbiro chaMuzvare Henrietta Rushwaya avo vari kupomerwa mhosva yekuedza kuburitsa goridhe munyika zviri kunze kwemutemo chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Vachisvitsa chikumbiro ichi kudare repamusoro, gweta raMuzvare Rushwaya, VaTapson Dzvetero, vati dare ramejasitiriti rakakanganisa parakanyima Muzvare Rushwaya mukana wekubhadhara mari yechibatiso richiti pane humbowo hwakasimba hwekuti Muzvare Rushwaya vakapara mhosva yavari kupomerwa uye vanogona kusamirira kutongwa kana vakapihwa mukana wekutongwa vachibva kubva kumba kwavo.

VaDzvetero vati mutongi wedare ramejasitiriti, VaNgoni Nduna, vakakanganisa pavakati Muzvare Rushwaya vanogona kusamirira kutongwa vachiti Muzvare Rushwaya, avo vakambomiswa basa semutungamiri weZimbabwe Miners Federation, vane hupfumi hwakawanda munyika kusanganisira migodhi miviri inocherwa goridhe.

Vati VaNduna havana kutarisawo kuti Muzvare Rushwaya vane rezinesi rekutenga goridhe. Nokudaro, VaDzvetero vatiwo VaNduna havangati Muzvare Rushwaya vakawanikwa vari pakati pekupara mhosva vasina kuongorora humbowo hwaMuzvare Rushwaya hwavakasvitsa mudare hwekuti goridhe ravakawanikwa vainaro rakanga riri mubhegi risiriro ravaida kuenda naro kuDubai.

Vaenderera Mberi vachiti zvakaturwa nedare ramajasitiriti zvekuti vanozivana nevanhu vakawanda kunze kwenyika kusanganisira kuDubai kune munhu wavanonzi vaiendesera goridhe iri hachisi chokwadi vachiti zvinotoshamisa kuti VaMohamad Patel avo vane mapepa anonzi aida kushandiswa naMuzvare Rushwaya kubuda kunze kwenyika ndivo vakapihwa
mukana wekutongwa vachibva kumba.

Vati VaMohamad sechizvarwa chekuPakistan ndivo vangatonzi vanozivana nevanhu vari kunze kwenyika sezvo vasiri chizvarwa cheZimbabwe. Vatiwo zvinokatyamadza zvakare kuti dare rakapa VaMohamad mukana wekutongwa vachibva kumba iyo Zimbabwe isina chibvumirano nePakistan chekupanana vasungwa vanenge vachidiwa nenyika mbiri idzi kana kuti extradition treaty.

VaDzvetero vatiwo VaNduna vakakanganisa kuti pane humbowo hunoratidza kuti Muzvare Rushwaya vaida kubhadhara mari yechiokomuhomwe pavakabatwa vaine goridhe panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport vachiti humbowo hwakasvitswa kudare hunoratidza kuti Muzvare Rushwaya vaive vasina kana kobiri pavakasungwa uye mhosva yekuda kubhadhara chiokomuhomwe yakazotaurwa nezvayo mazuva maviri Muzvare Rushwaya vasungwa uye pasina munhu abuda pachena kuti vaida kuvabhadhara mari yechiokomuhomwe iyi.

Gweta rehurumende, VaGarudzo Ziyadhuma, vati vachazopindura chikumbiro ichi neChishanu mushure mekunge mutongi wedare ati anoda kuona rezinesi raMuzvare Rushwaya rekutenga goridhe iro ranga risipo pamagwaro emafambiro akaita nyaya iyi kudare ramejasitiriti. VaDzvetero vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

Muzvare Rushwaya vakasungwa vaine makirogiramu matanhatu egoridhe vachida kuenda kuDubai zvakazokonzeresa kusungwa kwevavasori vaviri nemamwe mapurisa vavanonzi vaishanda navo mukuedza kuburitsa goridhe iri zvisiri pamutemo.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, chikumbiro chemudzimai we mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga uyo wavari kunetsana naye, Muzvare Mary Mubaiwa, chekuti vapihwe pasipoti yavo kuti vanorapwa kuSouth Africa chatadza kunzwikwa sezvo hurumende yati haina kugadzirira.

Gweta rehurumende panyaya iyi, Amai Sharon Fero, vaudza dare kuti havana kuwana nguva yekugadzirira mhinduro yavo sezvo vanga vari pakati pekuchinja mahofisi avo.

Mutongi wedare, VaBenjamin Chikowero vati nyaya iyi idzoke mudare nemusi weChina apo hurumende yakatarisirwa kupa mhinduro yayo pachikumbiro ichi.

Muzvare Mubaiwa vanoti vari kurwara zvakaipisisa uye svondo rapera vakaunzwa kudare vari pamubhedha unozikanwa nekuti stretcher bed.

Muzvare Mubaiwa vakatorerwa pasipoti yavo nedare pavakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekuedza kuuraya VaChiwenga vari kuchipatara chekuSouth Africa. Vari kuramba mhosva iyi.

VaChiwenga vanonziwo vari kuChina kwavanonzi vari kurapwa nyangwe mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vachiti vari kuita zvebasa renyika kunze kwenyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda




Facebook Forum

XS
SM
MD
LG