Accessibility links

Breaking News

Muzvare Marry Mubaiwa Opihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Marry Chiwenga
Marry Chiwenga

Mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, Muzvare Marry Mubaiwa, nhasi vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare repamusoro.

Muzvare Mubayiwa vari kupomerwa mhosva dzekuda kuuraya murume wavo, kubudzitsa mazakwatira emari yekunze kunze kwenyika pamwe nekufojera mapepa emuchato.

Vachitura mutongo wavo pachikumbiro chakasvitswa kudare naMuzvare Mubaiwa, mutongi wedare repamusoro, VaPisirayi Kwenda, vati Muzvare Mubaiwa vabhadhare zviuru gumi zvemadhora emunyika eRTGS pamhosva yavari kupomerwa yekuda kuuraya VaChiwenga, uye zviuru makumi mashanu zvemadhora eRTGS pamhosva yekunzi vakaburitsa mari yekunze kunze kwenyika zvisiri pamutemo pamwe nekunzi vakafojera mapepa ekuti vachatiswe nemurume wavo ari muhurwere.

VaKwenda vatiwo Muzvare Mubaiwa vasvitse kudare gwaro ravo rekufambisa remunhu anoremekedzwa, kana kuti diplomatic passport, uye kuti vasiye magwaro emba yababa vavo, VaKeni Mubaiwa, yekuHighlands muno muHarare.

VaKwenda vatiwo Muzvare Mubaiwa vagare kumba kwavo kuBorrowdale Brooke kudzamara mhosva dzavari kupomerwa dzapera kutongwa uye kuti vazvipire kumapurisa epaBorrowdale Police Station kamwechete pamavhiki maviri uri musi weChishanu, uye kuti vasavhiringidzane nevafakazi pamhosva dzavari kupomerwa idzi.

Zvaturwa nedare zvatsinhirwa nerimwe remagweta ari kumirira Muzvare Mubaiwa, Advocate Sylvester Hashiti.

Rimwe remagweta aMuzvare Mubaiwa, VaTaona Nyamakura, vati vafara nemutongo waturwa nedare uyu.

VaHashiti vati vave kutarisira kutanga kutongwa kwemhosva dziri kupomerwa Muzvare Mubaiwa musi wa14 Ndira asi vati nyaya idzi hadzina makumbo ekumira nadzo.

Muzvare Mubaiwa vanga vave kuda kutokwanisa mwedzi vari muhusungwa zvichitevera kusungwa kwavaitwa musi wa14 Zvita gore rapera vachinzi vakabvisa zvaishandiswa nanachiremba vechipatara cheNetcare Hospital kuSouth Africa mukuedza kuraramisa VaChiwenga munaChikumi, zvakazokonzera kuti vapomerwe mhosva yekuda kuuraya murume wavo.

Mapepa ari pamberi pedare anotiwo Muzvare Mubaiwa vakaburitsa kunze kwenyika mari inodarika miriyoni imwechete nemazana mapfumbamwe emadhora ekuAmerica zvisiri pamutemo uye zvinonzi vakashandisa imwe yemari iyi kutenga dzimba mbiri nemotokari nhatu dzemhando yepamusoro kuSouth Africa.

Asi Muzvare Mubaiwa, avo vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa dzose idzi, vanoti kana chiri chokwadi kuti vakaburitsa mari iyi kunze kwenyika zvisiri pamutemo, seyi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakavapa mari inoita zviuru makumi matatu zvemadhora ekuAmerica kuti vanopa VaChiwenga avo vakazenge vave kurapwa kuChina?

Pavakadzoka munyika masvondo mashoma adarika vabva kunorapwa kuChina, VaChiwenga vakabva vakonzeresa kusungwa kwemudzimai wavo uye vakatokwira kudare repamusoro kuti vagovaniswe pfuma yavo nemudzimai wavo uyo wavari kurambana naye.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG