Mutongi wedare repamusoro reHigh Court, Justice Tawanda Chitapi, nemusi weChina vakaramba kupa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kunhengo dzeMDC Alliance dzinoti mumiriri weHarare West mudare reparamende, Muzvare Joanna Mamombe, uye mutevedzeri wasachigaro mubato revechidiki reMDC Alliance Youth Assembly, Muzvare Cecilia Chimbiri.
VaChitapi havana kupa zvikonzero zvekunyima vaviri ava mukana wekubvisa mari yechibatiso vachiti vachazozviburitsa mukufamba kwenguva.
Muzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri vari kupomerwa mhosva yekutyora mitemo inechekuita neCovid-19 yekurambidza vanhu kuungana mushure mekunge vanzi vakataura nevatori venhau nevamwe vanhu panze pedare ramejastiriti muHarare.
Dare iri ratiwo richapa mutongo waro wechikumbiro chekubvisa mari yechibatiso chakaitwawo nemutungamiri wesangano revadzidzi reZINASU, VaTakudzwa Ngadziore, nemusi weChishanu.
Zvichakadaro, mapurisa ari kuenderera mberi achisunga nhengo dzebato rinopikisa reMDC Alliance achidzipomera mhosva dzakasiyana siyana.
KuMasvingo svondo rapera kwakasungwa nhengo dzeMDC Alliance pfumbamwe dzichipomerwa mhosva yekuita musangano uri kunzi nemapurisa waida kukurudzira vanhu kuti vapandukire hurumende.
Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinotiwo nezuro mapurisa emudunhu iri akasungawo vamwe vanorwira kodzero dzevanhu VaProsper Tiringindi naVaLeeroy Tailor vachivapomera mhosva yekunyora madziro nemusarinya.
Mapurisa anoti vainyora vachikurudzira kusungunurwa kwenhengo dzeMDC uye vatungamiri veZinasu vange vari mumatare vachiti, “Free Mako, Taku, Johana and Cecelia.”
Kunyangwe gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vachiramba kuti mapurisa anotarisa kuti wabuda mumba maani pakusunga vanhu, bato reMDC Alliance rinoti munyika maberekera ingwe.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaMartin Mureri, vanova nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights, uye vari kumirira vose vakasungwa kuMasvingo ava vaudza Studio 7 kuti vari mubishi kugadzira mapepa kuti vaende kudare repamusoro kuti vari muhusungwa vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Facebook Forum