Accessibility links

Breaking News

Muzvare Khupe Vokurudzira SADC neAU Kutora Matanho Akasimba


Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozani Khupe, vanoti masangano eSADC ne African Union, anofanirwa kuona zvaangaite kuitira kuti muZimbabwe muitwe sarudzo dzisina mhirizhonga.

Muzvare Khupe vataura izvi muHarare pakuparurwa kwebhuku rakanyorwa nesangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, iro rinoongorora mamiriro akaita zvinhu pamusoro pesarudzo idzo dzinonzi dzinogona kuitwa gore rinouya.


Vachitaura pakuparurwa kwebhuku iri, Muzvare Khupe vakurudzira SADC pamwe neAfrican Union kuti dzione zvadzingaite nekukasika kuitira kuti muZimbabwe muitwe sarudzo dzisina mhirizhonga.


Muzvare Khupe vati munyika munofanira kuve nenhepfenyuro dzakazvimirira sarudzo dzisati dzaitwa uye vati gwaro rine mazita evanhu vanovhota, kana kuti voters roll rinofanirwa kubviswa vanhu vose vakafa, kunyoresa vanhu vane kodzero dzekuvhota.

Muzvare Khupe vatiwo sarudzo dzinoitwa chete kana bumbiro idzva remitemo yenyika rapedzwa kunyorwa.


Kunyange hazvo mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiramba vakatsika madziro vachiti sarudzo dzinofanrwa kuitwa pakati pegore rinouya, Muzvare Khupe vati Zimbabwe haisati yagadzirira zvakakwana kuti sarudzo idzi dziitwe zviri pachena.


Sachigaro wesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Va Andrew Makoni, vati Zimbabwe inokwanisa kuita sarudzo chete kana yatevedzera zvose zvakabvumiranwa pasi pechibvumirano chezvematongerwo enyika che Global Political Agreement.


VaMakoni vati kana pasati pave nenhepfenyuro dzakazvimirira, mamwe mapato ezvematongerwo enyika haakwanisa kunzwikwa sezvo vachiti ZBC ichiri yakangorerekera divi rimwe chete kunyange hazvo ichitarisirwa kusarerekera kubato rimwe chete.
Bhuku raparurwa iri rinoongorora mamiriro akaita zvinhu kubva pakaitwa sarudzo muna 2008 kusvika pari zvino.


Papera kuparurwa kwebhuku iri, magweta apinda mumigwagwa achiratidzira pamberi pezuva rekucherechedza kodzero dzevanhu neChishanu achiti haasi kufara nekushungurudzwa kuri kuramba kuchiitwa magweta pamwe nemari dzinotambiriswa vatongi vematare dzimhosva.


Magweta aya asiya magwaro enyunyuto pamahofisi emutungamiri wevatongi vematare edzimhosva, Judge President George Chiweshe, pamwe nekuhofisi yemutongi mukuru wematare, Chief Justice Godfrey Chidyausiku, kuhofisi yegurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, kuhofisi yemutauriri weparamende, Va Lovemore Moyo, pamwe nemutungamiri wedare reseneti, Amai Edna Madzongwe.


Magwaro enyunyuto aya anga achikurudzirawo hurumende kuti ivandudze mitemo yose inotyora kodzero dzevanhu yakaita se POSA neAIPPA.

XS
SM
MD
LG