Accessibility links

Breaking News

Muzvare Khupe Vokurudzira Madzimai Kuramba Bumbiro Risingavapi Masimba


Muzvare Khupe vakati madzimai ose mudare reparamende, zvisinei kuti vari kubva kubato ripi, vachange vachikokorodzana kuti varambe bumbiro risingachengetedzi kuti madzimai asvike pane varume mumahofisi makuru enyika

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokazani Khupe, vanoti vanhukadzi vemu Zimbabwe vanofanirwa kuramba kutambira bumbiro idzva remitemo yenyika riri kunyorwa kana richinge risingaenzanise madzimai nevarume munyaya dzezvematongerwo enyika.

Muzvare Khupe vanoti madzimai ose mudare reparamende, zvisinei kuti vari kubva kubato ripi, vachange vachikokorodzana kuti varambe bumbiro risingachengetedzi kodzero dzavo.

Muzvare Khupe vakataura mashoko aya paiparurwa chirongwa che WIPSU 50-50 Campaign icho chichatungamirwa nesangano reWomen in Politics Support Network kana kuti WIPSU.

Muzvare Kimberley Hazvinei Da Costa vanoshanda sechipangamazano muWIPSU.

Muzvare Da Costa vanoti sangano ravo richaramba richishanda nemapato kuitira kuti vayakurudzire kuti aise madzimai muzvinzvimbo zvepamusoro munyaya dzezvematongerwe enyika.

XS
SM
MD
LG