Accessibility links

Breaking News

Muzvare Khupe Vodzinga Muparamende Mutevedzeri weMDC Alliance Amai Karenyi-Kore neVamwe


Amai Lynette Karenyi Kore

Mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance Amai Lynette Karenyi-Kore nevamwe vamiriri vedare reparamende vadzingwa mudare iri nemusi weChina zvichitevera tsamba yakanyorwa nevakafanobata chigaro chemutungamiri webato reMDC-T Muzvare Thokozani Khupe.

Mutauriri wedare reHouse of Assembly VaJacob Mudenda vati vange vatambira tsamba yekudzinga Amai Karenyi-Kore, VaEric Murai, Highfields East; VaWellington Chikombo, Glen Norah; VaEthenrige Kureva, Epworth; Amai Dorcas Sibanda veProportional Representative,Bulawayo; VaCaston Matewu, Marondera Central; Amai Concelia Chinanzvavana PR Mashonaland West; Amai Susan Matsunga, Mufakose, VaPrince Dubeko Sibanda- Binga North uye vaVunganayi Tarusenga, St Mary’s.

Munyori mukuru weMDC-T VaDouglas Mwonzora vati vange vakabatikana patayedza kutaura navo kuti tinzwe divi ravo.

Asi Amai Karenyi-Kore vati zvaitwa hazvina kuvashamisa uye vakurudzira vatsigiri vebato ravo kuti varambe vakaringa mberi.

Hurukuro naAmai Lynette Karenyi-Kore
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG