Accessibility links

Breaking News

Muzvare Betty Makoni Votaura Nezvekupora Kubva Muchirwere cheCoronavirus


Muzvare Betty Makoni
Muzvare Betty Makoni

Muzvare Betty Makoni avo vakavamba sangano rinorwira kodzero dzemwanasikana reGirl Child Network vanoti vave kunzwa zviri nani mushure mekubatwa nechirwere checoronavirus kuBritain.

Zvizvarwa zveZimbawe zvine chitsama kunyanya vanamukoti zvashaya munyika iyi nekuda kwechirwere checoronavirus.

Asi Muzvare Makoni vanoti kurwara kwavo hakuna kuvasiya voda kuti vabatsirwe kufema nemuchina zvavanoti zvakavabatsira zvikuru kuti vakurumidze kutanga kunzwa zviri nani.

Vanoti vakatanga kunzwa pahuro, kushaya simba vakazoguma vozarirwa zvekutadza kufema uye kupupa furo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG