Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voronga Kumosera Vanotengesa Mari paMukoto


 Emmerson Mnangagwa
Emmerson Mnangagwa

Mutunganmiriri wenyika, VaEmerson Mnangagwa vanoti vaudza gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kuti vagadzirise mutemo unosunga vanoita zvehuori hwekuchinja mari zvisiri pamutemo uye munzvimbo dzisingabvumirwi.

Vachinyora padande mutande ravo re Twitter nemusi weSvondo VaMnangagwa vakati izvi zvinofanira kuitwa nekuchimbidzika kuti nyika igoone kurwisana nenyaya dzehuori nekuchinjwa kwe mari mumigwagwa.

VaMnangagwa vakanyorawo nezuro gwaro rinotaridza maonero avo panyaya iyi mubepanhau reSunday Mail vachiti hofisi yavo iri kuziva kuti kune vanhu vari kushandisa makambani asingashandi kuita zvekuchinja mari izvo zviri kukonzera kusagadzikana munyika.

VaMnagagwa vanoti vari mumigwagwa havasirivo vakuru vezvekuchinjwa kwemari, asi vanovatuma vari kumahofisi ndivo vane nyaya.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzisa kuDevry University, Ohio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti danho riri kutorwa naVaMnangagwa rakanaka asi rinoda kuti mashoko avo azadziswe.

Vanoti zvinogona kutora nguva shoma kuti huori hupedzwe munyika kana vanhu vakazvipira kushanda nesimba kurwisana nahwo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG