Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weZIFa Mutsva Ovimbisa Kuvandudza Zvinhu muNyaya dzeNhabvu


ZIFA HOUSE
ZIFA HOUSE

Mutungamiri mutsva weZimbabwe Football Association VaFelton Kamambo vane chishuwiro chekuti nhabvu ibhadhare zvakasimba vatambi nezvikwata.

VaKamambo vakasarudzwa nemusi weSvondo kutungamira Zifa mushure mekukunda muzvina bhizimisi VaPhillip Chiyangwa nemavhoti makumi matatu nemashanu ivo VaChiyangwa vachiita mavhoti makumi maviri memanadamusarudzo yaaitirwa pane imwe hotera muHarare nezuro.

Izvi zvave kureva kuti VaKamambo vachatungamira nhabvu muZimbabwe kusvika muna 2022 apo pachaitwa World Cup kuQatar.

VaKamambo vari kufara nekupihwa basa guru mumitambo muZimbabwe vachiti ivo havasirivo vakakunda pasarudzo iyi asi mhuri yenhabvu munyika.

VaKamambo vanoti chishuwiro chavo ndechekuti nhabvu isimuke muZimbabwe kusvika pakukwanisa kubhadhara zvine mutsindo vatambi nezvikwata. VaKamambo varikuvimbisa huchi nemukaka.

Vanoti chekutanga varikuda kubvisa mahofisi eZifa kumahofisi aVaChiyangwa apo vashandi vesangano iri vari kuita basa ravo vari.

VaKamambo vatarisana nekuona kuti chikwata chenyika chemaWarriors chabudirira kuenda kuma 2019 Africa Cup of Nations apo Zimbabwe iri kutamba neCongo Brazzaville muNational Sports Stadium musi wa22 Kurume.

Zimbabwe inofanira kukunda mumutambo uyu kuti ibudirire kuenda kuma fainari zvekuti parikudiwa mari yakasimba mugadziriro yechikwata ichi.

Parizvino, Zifa inonzi ine zvikwereti zvinosvika mamirionai masere.

Kunyange hazvo vasisatungamire nhabvu muZimbabwe, VaChiyangwa vanoramba vari mutungamiri wenhabvu kuchamhembe kweAfrica neCosafa.

Aive mutevedzeri wavo VaOmerga Sibanda vakakundwawo musarudzo iyi

37-22 naVaGift Banda.

Vamwe vakasarudzwa kupinda mubhodhi reZifa ndaVaSugar Chagonda, VaChamu Chiwanza, VaPhilemon Machana, naVaBrighton Malandule.

Zvichakadaro, chikwata cheFC Platinum chakatamba sechakasvikirwa apo chakaenda kuCongo Brazzaville ndokunoita mangange 1-1 ne Oyo Otoho.

FC Platinum yave kungoda kuita mangange 0-0 kana kukunda kuti ienderere mberi nemakwikwi aya.

Kugona Kunenge Kudada ine chishuwiroyo chekutevera mutsoka dzeDynamos, Caps United neMonomotapa kusvika mu mini league stage yeCaf Champions League umo mune mari zhinji.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG