Accessibility links

Mutungamiri weZambia Anoti Vatungamiri veSADC Ngavachinje Maitiro Avo

  • Blessing Zulu

Zambian President Rupiah Banda

Mutungamiri weZambia, VaRupiah Banda, vayambira kuti vatungamiri venyika dzemuSADC vanofanirwa kuvandudza matongero avo vounza hutongo hwejekerere kana vasingadi kuti nyika dzavo dzigume dzoita mhirizhonga seiri kuitika kunyika dzekuMiddle East neNorth Africa.

VaBanda, avo vanova sachigaro weSADC Troika on Politics and Defence, vakataura mashoko aya vachiparura musangano weTroika kuLivingstone, Zambia neChina.

Musangano uyu uri kutarisa matambudziko ari munyika dzakaita seLesotho, Zimbabwe, Madagascar, DRC neSwaziland. Vamwe vakuru muSADC vaudza Studio7 kuti mashoko aVaBanda ange akanangana zvikuru nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Hurumende yaVaMugabe yakasunga vanhu vanodarika makumi manomwe ichiti vaida kupidigura hurumende yavo sezvakaitika kuEgypt nekuTunisa.

Masvondo apera, mutungamiri weBotswana, VaIan Khama, vakatiwo SADC yave kuneta nekuramba ichigadzirisa matambudziko ari muZimbabwe.


VaBanda vatiwo vatungamiri venyika vanofanira kutevedzera mitemo. VaMugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutamabara, vari kumusangano uyu.

VaWelshman Ncube vechimwe chikwata cheMDC varikowo kumusangano uyu uye pane kunetsana kuti ndiyani anenge achitungamira MDC diki pahurukuro idzi.

Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaJacob Zuma, vari kutarisirwa kuparura hurukuro panyaya yeZimbabwe apo vachaudza vamwe vatungamiri mamiriro akaita zvinhu munyika pari zvino.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti bato ravo rinoda kuti SADC iparure gwara resarudzo rakajeka.

Regional Cordinator weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaDewa Mavhinga, vanoti VaBanda vabaya dede nemukanwa.

XS
SM
MD
LG