Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Vanogona Kuputsa Paramende Poitwa Sarudzo


Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti kana vanhu vasingade bumbiro idzva remitemo yenyika riri kunyorwa, vachashandisa masimba avo semutungamiri wenyika, kushevedzera sarudzo munyika vachishandisa bumbiro remitemo rekare.

VaMugabe, avo vakasvika munyika neSvondo vachibva kuSingapore kwavanga vari kuzororo, vakati vanokwanisa kuputsa paramende voshevedzera sarudzo pasina bumbiro remitemo idzva.

Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri werimwe bato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kushoropodzawo hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro remitemo idzva, vachiti hwakanga husina kuchena.

Asi VaTsvangirai vari kutiwo munyika munofanirwa kuitwa sarudzo dzakachena. Ukuwo, mutungamiri werimwe bato reMDC, VaWelshman Ncube, vanotiwo sarudzo dzinofanirwa kuitwa chete kana pava nebumbiro idzva remitemo yenyika, sezviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA.

Mutauriri weMDC yaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti hurumende iripo yakaunzwa nechibvumirano cheGPA, uye kana ichiputswa, mapato ose ari muhurumende iyi anofanirwa kuva nechekuita nazvo

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vanoti mashoko aVaMugabe ndeekutyisidzira chete sezvo vasina masimba ekuita zvavanoda muhurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi munyaya dzemitemo uye vari sachigaro weNCA, VaLovemore Madhuku, vaudza Studio7 kuti VaMugabe vanogona chete kuputsa paramende kana vachinge vatanga vabuda muhurumende yemubatanidzwa, voshandisa chisimba vachiti hapachina hurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG