Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMugabe Vokumbira Varairidzi Ruregerero paMari dzeMihoro


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neMuvhuro vakakumbira ruregerero kuvashandi vehurumende, zvikuru varairidzi, nepamusana pekutadza kwehurumende kuvawedzera mari dzemihoro.

Vachitaura vari muHarare kumabiko akaitirwa vana vadiki, VaMugabe vakati hurumende yakatadza kuwedzera varairidzi mari dzemihoro nepamusana pezvirango zvavanoti zvakaiswa neAmerica, izvo vakati zviri kutadzisa Zimbabwe kutengesa mangoda ayo pamisika yepasi rose.

Vashandi vehurumende vari kuda kuwedzerwa mari dzemihoro, uye kuti mushandi wepasi atangire pamari inota $538.00 pamwedzi asi hurumende inoti haina mari.

Kutanga kwegore rino vashandi ava vakaramwa mabasa kwezuva rimwe chete senzira yekuratidza kutsutsumwa kwavo nekushaiwa han’ya kwehurumende panyaya dzemihoro yavo.

Sachigaro weApex Council uye vari mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reZimta Amai Tendai Chikowore, vaudza Studio 7 kuti vanotambira mashoko aVaMugabe aya asi vano tarisirawo kuti hazvigumiri mumashoko chete, asi mukuita kuti vashandi vehurumende vawane mari dzinowakwanira.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou, vatiwo havatambire chikumbiro chaVaMugabe sezvo hurumende iine zvakawanda zvainogona kuita kugadzirisa nyaya dzemihoro.

XS
SM
MD
LG