Nyanzvi dzezvematongerwo enyika nemitemo dzinoti kudzokera pabasa kwemutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vachigura zororo ravo, asi vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vachiramba vari pabasa iri VaMnangagwa varipo, kunokonzera kusanzwisisa muvanhu mashandiro ehurumende.
Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge charamba, pamwe nemunyori mubazi rezvekufambiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanoti kunyange hazvo VaMnangagwa vadzoka kubasa, vachiwenga ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika.
Hurumende inoti VaMnangagwa vadzoka kuzogadzirisa dambudziko rekuramwa mabasa kwavana chiremba, kunyange hazvo vakasiya riripo pavakaenda kuzororo. Nhasi VaMnangagwa vatambira vamiriri vatsva venyika dze Spain, Rwanda, neweUnited kingdom ne Ireland, basa raigona kuitwawo nevakafanobata chigaro chavo.
Nyanzvi yezvemutemo, Doctor Alex Magaisa, vanoti hazvisi pamutemo kuti mutungamiri wenyika neakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, vese vange vari pabasa panguva imwechete.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachidzidzisa ku Tswaane University ku South Africa, Doctor Ricky Mukonza, vanotiwo zviri kuitika izvi zvinogona kureva kuti pane kusawirirana pakati pevatungamiri venyika.
Facebook Forum