Accessibility links

Breaking News

VaMakoni Voshushikana Nezviri Kuitwa Mukunyorwa kweBumbiro Idzva


Mutungamiri webato reMavambo-Khusile-Dawn, VaSimba Makoni, avo vari kushanya muAmerica, vanoti kunonoka kupera kwebumbiro idzva remitemo yenyika pamwe nekupindira kunonzi kuri kuitwa nevechiuto munyaya dzezvematongerwo enyika kunokanganisa kuitwa kwesarudzo dzakachena munyika.

VaMakoni vanoti vanoshushikana zvikuru semwana wese weZimbabwe nezviri kuitwa nemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa panyaya yebumbiro idzva riri kunyorwa.

Vatiwo rwendo rwavo kuAmerica, urwo rwuchavasvitsa mumatunhu akawanda eAmerica, rwakanangana nezvebasa ravo rekuriritira mhuri. Asi VaMakoni vanoti vachatorawo mukana uyu kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica kuti vapane mazano pamatambudziko ari kumusha.

VaMakoni vanotiwo zvakakosha zvikuru kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvishande pamwe chete mukugadzirisa matambudziko ari kumusha, zvisingatarisi kuti munhu ndewe bato ripi.

XS
SM
MD
LG