Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Hurumende Haina Kuumbwa naVaMugabe Voga


Mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri werimwe bato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, havana masimba vari voga muhurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai, avo vakataura mashoko aya kuvatori venhau muHarare neChipiri, vanoti hupenyu hwehurumende yemubatanidzwa hahuna kubatwa nemunhu mumwe chete, asi kuti nechibvumirano cheGlobal Political Agreement, icho chakanyoreranwa muna Kukadzi wegore rapera pakati pemapato matatu.

Asi chibvumirano ichi chinotiwo kana mumwe wemapato matatu aya akafunga kubuda machiri, muchato unobva wangoparara. VaMugabe vakazivisa kuti kana makore maviri angokwana, havasi kuzowedzera hupenyu hwehurumende iyi.

Vatungamiri vaviri ava vakatotanga kare kushambadza nezvesarudzo kuvatsigiri vavo, kunyange hazvo bato reMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara riri kuti sarudzo hadzifanirwe kuitwa kudzamara munyika magadzikana.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vaudza Studio7 kuti zviri kutaurwa naVaTsvangirai ndezvekuti munhu mumwe chete muhurumende yemubatanidzwa haakwanisi kupa zuva resarudzo sezviri kuitwa naVaMugabe.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, kuti tinzwewo zvinobva kubato ravo pamusoro penyaya iyi sezvo vanga vari mumusangano wePolitiburo yebato ravo.

XS
SM
MD
LG