Mutungamiri wehurumende yeEthiopia VaAbiy Ahmed ndivo vakasarudzwa kuti vapihwe mubayiro weNobel Peace Prize wegore rino. Nyika yeNorway ndiyo inopa mubayiro uyu.
VaAhmed vakarumbidzwa nekuunza runyararo pakati penyika yavo neEritrea mushure mehondo yainge yave nemakore makumi maviri nekuda kwekusawirirana pamuganhu wenyika mbiri idzi.
Munhu mutema wekutanga kuhwina mubayiro uyu ndiVaAlbert Luthuli vekuSouth Africa muna 1960.
Vamwe vakapihwa mubayiro uyu vanosanganisira vachakabvu VaNelson Mandela vekuSouth Africa, VaAnwar Sedat vekuEgypt uye VaKofi Annan vekuGhana.
Vamwe vakakunda vanosanganisirira, Archbishop Desmond Tutu, vaive mutungamiri weLiberia Amai Ellen Johnson Sirleaf, uye muchakabvu Wangari Maathai vekuKenya, mudzimai mutema wekutanga muAfrica kuhwina mubayiro uyu.
MuZimbabwe muna 2011 vaimbova mutungamiri wehurumende muchakabvu Morgan Tsvangirai vakambodomwa kuti vapihwe mubayiro kunyangwe havo vasina kuzobudira.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachiita zvidzidzo zvepamusoro soro paUniversity of Johanesburg, Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vane zvakawanda zvekudzidza kubva kuna VaAhmed panyaya yekutungamira.
Facebook Forum