Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weBritain VaBoris Johnson Voendeswa KuChipatara neCoronavirus


VaBoris Johnson
VaBoris Johnson

Mutungamiri wehurumende yeBritain VaBoris Johnson avo vakabatwa nechirwere checoronavirus mazuva gumi adarika vanonzi nehofisi yavo vaendeswa kuchipatara sezvo vange vave kusanzwa zvakanaka.

Mutauriri wemuzinda wehofisi yavo yeDowning Street anoti izvi zvaitwa mushure mekunge varamba vakasimbirirwa nechirwere ichi.

VaJohnson vanonzi havasi munjodzi huru asi vange vave kupisa muviri zvakanyanya zvapa kuti chiremba wavo ati vaendeswe kuchipatara.

Nemusi weSvondo Mambokadzi Elizabeth vakakurudzirawo vanhu vemunyika yavo kuti vabatane mukurwisa chirwere checoronavirus ichi. Mwana waMambikadzi, Prince Charles akambobatwawo nechirwere ichi asi anonzi ave kunzwa zviri nani.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG