Mutungamiri wesangano rinomirira vadzidzisi reAlmagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vapambwa kumba kwavo muHarare nevanofungidzirwa kuti vasori manheru ano.
Asi mudzimai wavo anoti mushure mekupambwa uku, vazoenda kunokandwa kukamba yemapurisa yeHarare Central Police Station mushure mekurohwa zvakaipisisa.
Patanga kupwanywa imba yavo nevanhu vange vasina kupfeka nhumbi dzemauto kana mapurisa ava, VaMasaraure vaudza Studio 7 kuti vanofunga kuti vange vachivatevera kwenguva yakareba vachida kuvapamba.
Vanhu vakawanda vanoti munyika maberekera ingwe zvichitevera kuratidzira zvine mutsindo kwakaitwa nevanhu munyika yose vachiti havasi kufara nekukwidzwa kwemutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari uye kudhura kwezvinhu munyika.
Mauto ari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu nekuvaita kafiramberi.
Facebook Forum