Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waGinimbi Wovhenekwa neChipiri Achitarisirwa Kuradzikwa neMugovera


Genius Kadungure
Genius Kadungure

Mutauriri wemhuri yamuzvinabhizimisi VaGenius “Ginimbi” Kadungure avo vakashaya nemusi weSvondo mangwanani munjodzi yemumugwagwa kuBorrowdale neshamwari dzake nhatu, VaDarlington Kadungure vanoti mutumbi wake uchavhenekwa navanachiremba neChipiri uye vari kutarisirwa kuvaradzika neMugovera kuDomboshawa.

Vatiwo semhuri varasikirwa nemusimboti wavo uye nzvimbo yeDomboshava yarasikirwa negamba raiimudzira nharaunda iyi zvakanyanya.

VaKadungure vanoti vari kutarisira kuti mutumbi waGinimbi uchaendeswa kumba kwake kuDomboshwawa nemusi weChishanu usati waradzikwa zuva rinotevera.

Vamwe vakashaya naGinimbi ndi VaLimumba Karim weku Malawi, Muzvare Mitchelle Amuli (Moana) nemumwe mudzimai angonzi Elisha wekuMozambique.

Muzvinabhizimisi Karim anonzi nebepanhau rekuMalawi reNyasa Times ainge achiferefetwa nemapurisa emunyika iyi achipomerwa mhosva yekushanda nevamwe vakawanda mukuba mari inosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu yekuAmerica kana kuti US$2,6 million panyaya iri kunzi nemapepanhau ekunyika iyi “Cashgate.”

Hurukuro naVaDarlington Kadungure
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG