Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau weNew York Times Jeffrey Moyo Onyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Dare ramajisitireti muBulawayo, nemusi weMugovera rakarasa chikumbiro chemutori wenhau anoshanda akazvimirira Jeffry Moyo chekuti atongwe achibva kumba pamhosva yaari kupomerwa yekutyora zvikamu zvemutemo weImmigration Act.

Asi mumashoko kuvatori venhau, sangano reCommunity to Protect Journalists kana kuti CPJ rati Moyo anofanira kuburitswa muhusungwa sezvo mhosva yaari kupomerwa isina nematuro ose.

Mutauriri webepanhau reNew York Times mumashoko kuvatori venhau rati riri kushushikana zvikuru nekusungwa kwaMoyo uye rinoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzekodzero dzevatori venhau muZimbabwe.

Moyo anonzi aida kubatsira kupinza munyika vatori venhau veNew York Times vainge vabva kuSouth Africa vanoti Christina Goldbaum na João Silva.

Mutongi wedare Muzvare Rachel Mukanga varasa chikumbiro chaMoyo vachiti vanobvumirana nemaonero emuchuchisi ekuti mhosva yaari kupomerwa yakakura uye inogona kukonzera kusagadzikana munyika.

Mumwe akasungwa naMoyo achinzi akavabatsira kugadzira mapepa zvehuori VaThabang Manhika vanove mushandi weZimbabwe Media Commission vanyimwawo mukana wekubvisa mari yechibatiso

Moyo, uyo akasungwa nemusi weChitatu ari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo weImmigration Act achinzi aida kubatsira vamwe vatapi venhau vaviri vekuAmerica vanoshandira bepanhau reNew York Times vasina kudomwa nemazita, kuti vapinde munyika pamwe nekushanda zvisiri pamutemo.

VaMoyo naManhika vanzi vadzoke kudare musi wa10 Chikumi. Gweta riri Moyo VaDoug Coltart vange vasiri mudare neMuvhuro. Asi Gweta, Muzvare Amanda Ndlovu avo vange vakamiririra VaColtart pakunzwa mutongo uyu vati vachakwira kudare repamusoro reHigh Court kupikisa mutongo uyu.

Pakanzwikwa chikumbiro ichi nemusi weChishanu, muchuchisi VaThompson Hove, vakati Moyo akabatsira kuti vatapi venhau vaviri vekunze kwenyika ava vapinde munyika vachizokwanisa kuvawanira magwaro ekuti vashande sevatapi venhau kwechinguva chidiki kana kuti temporary accreditation card zvisinei kuti vaviri ava vaive vamborambirwa chikumbiro chavo chekuti vapinde munyika nebazi rezvekufambiswa kwemashoko.

Mukuru wesangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists VaMichael Chideme vati havana zvakawanda zvekutaura nezvenyaya iyi sezvo ichiri mumatare.

Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa VaTabani Moyo vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vachamirira kutongwa kwenyaya iyi mumatare, sangano ravo rinoramba richishushikana nenyaya dzekushungurudzwa nekusungwa kwevatapi venhau munyika.

Zvichakadaro, kutongwa kwevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko kwange kuchitarisirwa kuenderera mberi nemusi weMuvhuro kwakundikana mushure mekunge gweta ravo VaZibusiso Ncube vaita tsaona nemotokari yavo.

Mejastiriti ari kunzwa nyaya iyi VaTrynos Utahwashe vati nyaya iyi izotanga kunzwikwa nemusi wa 8 Chikunguru.

VaMphoko vari kupomerwa mhosva yekuita huori apo vakamanikidza mapurisa ekuAvondale muHarare kuburitsa muhusungwa vaive vakabata chigaro chemukuru weZINARA VaMoses Juma uye vaive nhengo yeBhodhi racho VaDavison Norupiri avo vaipomerwa mhosva dzehuori.

Tichiri munyaya dziri kumatare, nemusi weChina, dare repamusoro riri kutarisirwa kuzeya nyaya iri kupomerwa mutongi mukuru wematare VaLuke Malaba yekuti vakazvidza dare mushure mekudzokera kunoshanda asi vanzi nedare iri vaende pamudyandigere.

Nyaya iyi yakakwidzwa nemukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum VaMusa Kika avo vainge vaendesawo pamwe nesangano reYoung Lawyers Association of Zimbabwe nyaya yekuti VaMalaba vaende pamudyandigere sezvo kuvandudzwa kwebumbiro remutemo kwakaitwa kuti varambe vari pabasa kwemamwe makore mashanu kwaisava pamutemo.

Asi hurumende inoti payakangokwira kudare repamusoro soro ichikipikisa mutongo uyu, mutongo wedare repamusoro wakabva wasendekwa parutivi.

Nyaya Ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG