Accessibility links

Breaking News

Mutongi weHigh Court Otadza Kunzwa Nyaya yeGALZ


Mutongi wedare repamusoro, Amai Lavender Makoni, neChipiri vakaramba kunzwa chikumbiro chenhengo mbiri dze Gays and Lesbians of Zimbabwe, GALZ, dzakasungwa neChishanu vachiti kana vakapa mutongo havana chokwadi chekuti mapurisa anoteerera zvinenge zvatongwa nematare zvikuru sei vari pazororo.

Nhengo dzeGALZ, Ellen Chadian na Ignatios Muhambi, vari kupomerwa mhosva yekushora mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mapurisa anoti vaviri ava vakange vakanamira tsamba pamadziro ehofisi yavo kuMilton Park yakabva kuna meya we San Franscisco yaishora VaMugabe nekushora kwavanoita ngochani.

NeChishanu, mapurisa ainge amboti aitsvagwa vhidhiyo ine vanhu vasina kupfeka, uye zvinodhaka.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti vari kuona kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kusungwa vachinzi vari kunyomba VaMugabe, sechiratidzo chekuti hurumende haisi kuda kusiya tsika yayo yekutyora kodzero dzevanhu.

Svondo rapera, mapurisa akasunga nhengo dzeMDC VaShakespear Maya naSenator Morgan Komichi, pamwe naVaJob Sikhala, mutungamiri webato idzva reMDC99.

VaDavid Hofisi ndivo gweta reGALZ, uye vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights. VaHofisi vanoti vave kutarisira kupinda mudare neChitatu.

XS
SM
MD
LG