Accessibility links

Kudonhedzwa kweMuti Wakaurayirwa Mbuya Nehanda Kokonzera Mutauro

  • Sandra Nyaira

Muti unonzi ndiwo wakasungirirwa Mbuya Nehanda nevarungu vaitonga munguva iyi mugore ra 1898 mushure mekunge vatanga chimurenga chekutanga, wakadonhedzwa neChitatu nemotokari yekanzuru yaipfuura pedyo nemuti wemusasa uyu apo vashandi vekanzuru vaishandira panzvimbo iyi.

Muti uyu uri muna Josiah Tongogara muHarare.

Kudonhedzwa kwakaitwa muti uyu kwapa kuti vanhu vakawanda vafunge kuti zvinhu munyika zvingangoita manyama amire nerongo kana pakasaitwa basa rekugadzirisa nyaya iyi pachivanhu.

Zvinonzi pane n’anga nevanozviti Mbuya Nehanda vatsva, vakatoita zvechivanhu pamuti uyu neChina.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kukanzuru yeHarare zvakanyatsoitika.

Gurukota raMambo Seke, Va Charakupa Simplicious Ngwerume, vanoti vava mushishi sevaridzi vemuti uyu kuti vaite chivanhu kuitira kuti nyika isawirwe nedambudziko.

Mumwe mugari wemu Harare, Va Tendai Friday, vanoti zvinorwadza kuti muti uyu hausisipo nekuti waiva chiratidzo chenhororondo yehondo yeChimurenga muZimbabwe.

XS
SM
MD
LG