Maseneta maviri emuAmerica, VaChris Coons, naVa Jake Flake, vakaparura neChina bhiri rakanangana nekuzeya mutemo wekuvandudza zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muZimbabwe, weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Bill.
Mutemo uyu wakadzikwa muna 2001 zvichitevera kutyorwa kwekodzero dzevanhu.
"VaMnangagwa varatidza chido chekuvandudza zvinhu muZimbabwe. Asi mashoko avo anofanirwa kuzadziswa nezviito zvinoratidza kuti zvinhu zviri kushanduka," vakadaro VaFlake avo vanomirira bato reRepublican Party uye vachibva kudunhu reArizona.
"Zvatiri kutara kuti zviitwe zvikatevedzerwa naVaMnangagwa zvinozadzisa chishuvo chaVaMnangagwa chekuona kuti zvinhu zvashanuka muZimbabwe nevanhu vayo avovatambura pasi pehutongo hwehudzvanyiriri kwenguva yakareba," vakadaro VaFlake mugwaro ravakaburitsa neChina.
VaCoon vakatiwo mushure memakore makumi matatu nemanomwe vanhu vari pasi pehurumende yehudzvanyiriri yaVaRobert Mugabe, vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kunge vari kufarira kuona shanduko neremangwana rakajeka.
"Kuitira kuti zvinhu zvishanduke zvakanaka munyika yose, masangano anobatsira epasi rose anofanirwa kukomekedza hurumende itsva yemuZimbabwe kuti igadzirise zvinetswa zvose zvirango zvisati zvabviswa," vakadaro VaCoon, nhengo yeDemocratic Party vachibva kuDelaware.
VaCoon vakati vari kutarisira rwendo rwavo kuZimbabwe, uko vachasangana nevakuru vakuru muhurumende, vachiona matanho ari kutorwa nehurumende mukuona kuti munyika maita sarudzo dzakachena pamwe nekuona kuti magariro evanhu asumudzirwa.
Mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vakatowedzera nerimwe gore zvirango zvakatemerwa vakuru ava kusanganisira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvenari , VaTerrence Mukupe, vati vanoona chiri chinhu chakanaka kuti America yave kutarisa Zimbabwe nehutungamiri hwaVaMunangagwa nemuonero wakasiyana nehutungamiri hwaVaMugabe.
Kuti vakuru venyika ava vabvisirwe zvirango izvi, vari kukurudzirwa kuti vaite sarudzo dzakachena, kutsvaga vanhu vakatsakatika vakaita saVa Itai Dzamara, VaPatrick Nabanyama uye VaPaul Chizuze, kuremekedza vanenge vaine minda kana mabhizmisi munyika uye matare eSADC.
Nyanzvi yezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa muAmerica, Muzvare Chipo Dendera, vanoti ichi chinhu chakanakira Zimbabwe asi zvave kudawo kuti vari muhurumende vagone kushanda nesimba kugadzirisa zvinoda kuti zvigadziriswe kuitira kuti zvirango zviripo zvibviswe.
Facebook Forum