Accessibility links

Breaking News

Mabhizinesi ekuGermany Odududza paHurongwa hweZITF


Sangano rinomirira vana muzvinabhizimusi vekuGermany vanoda kuita zvemabhizinesi muAfrica, reGerman African Business Association, (GABA), rinoti rambosendeka parutivi rwendo rwekuZimbabwe rwanga rwakarongwa nenhengo dzaro, kusvikira pava nechiedza panyaya yemutemo wekutora zvikamu mumakambani ekunze pamwe neevachena, zvichipihwa vanhu vatema.

Mukuru wesangano iri, uye vachimirira dunhu rekuchamhembe kweAfrica, VaAndreas Wenzel, vaudza Studio7 kuti nhengo dzavo makumi maviri neshanu dzaida kuenda kuZimbabwe panguva yeZimbabwe International Trade Fair mwedzi unouya, dzambosendeka rwendo urwu parutivi kusvika vaona kuti muyananisi mugakava riri muZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vabudawo neyi.

Vati kana zvinhu zvava kuratidzika zviri nani, rwendo urwu rwungangoitwa mukupera kwegore rino. Danho reGermany iri rinouya panguva imwe chete apo Norway yakazivisawo kuti yava kumbomisa rubatsiro rwemari inoita US$1,5 million yezvirongwa zvekurima muZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi, uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvinogona kusanaka kana vebato reZanu PF vakaramba vachida kuisa mitemo inovhundutsira vemabhizinesi.

Gurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaSavior Kasukuwere, vanoti hurumende yava nehurongwa hutsva hwekugadzirisa mimwe yemirau ine chekuita nemutemo wezvemabhizinesi.

Izvi zvinotevera kurudziro yakaitwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vanoti mitemo yemunyika haifanirwe kutyisidzira vemabhizinesi.

XS
SM
MD
LG