Accessibility links

Breaking News

Mutemo weHurumende Mutsva Wopa Kuti Mitengo Iwedzerwe Zvakanyanyisa Muzvitoro


VaEmmerson Mnangangwa

Zvinhu zvaita manyama amire nerongo muzvitoro mushure mekunge mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vadzika mutemo wechimbi chimbi kana kuti Presidential Powers (Temporary Measures) (Financial Laws Amendment) Regulations, 2021.

Mutemo wakadzikwa mukupera kwesvondo rapera uyu unomanikidza vemabhizimisi kuti vatengese zvinhu nemutengo unoendererana newepamusika wemari weRBZ foreign exchange rate kwete wepamusika wemukoto.

Vanenge vawana mari pamusika wemari weRBZ voishandisa zvisizvo vanonzi vachabhadhairiswa miriyoni imwe chete yemadhora uye vemabhanga vanonzi vanoita zvehuori kupa makambani matsamba ekuti vawane mari pamusika weRBZ vanonzi vachabhadhariswa mamiriyoni mashanu sechirango.

Vemabhizimi vanonzi vanoramba kutambira dhora remuZimbabwe vachabhadhariswa mari inosvika zviuru makumi mashanu kana kuti 50 000.

Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vaudza bepanhau reSunday Mail kuti danho iri harisi kuda kuomesera vemabhizimisi asi kuti kuunza kugadzikana nekumisa huori kune vanowana mari kubhanga guru renyika asi vodhurisa zvinhu.

Asi vachitaura nebepanhau reThe Standard, vakuru veZimbabwe National Chamber of Commerce neConfederation of Zimbabwe Industries vati havasi kuwirirana nedanho iri.

Vamwe vezvitoro vambovhara vamwe vachiramba kutambira dhora rekuAmerica asi vamwe vakaita seOk Supermarket vatumira mashoko kuvatori venhau vachiti vachatevedzera mutemo uyu.

Makambani apihwa mavhiki maviri ekuti agadzirise mitengo yavo kana kuti orangwa.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu vaudza Studio 7 kuti danho rehurumende kunyangwe riine chinangwa chakanaka ravhundutsa musika zvapa kuti mitengo yezvinhu ibva yakwira zvakanyanya.

Hurukuro naVaDenford Mutashu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG