Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Rinosendeka Parutivi Kuzeya Mirawo yeKuendesa Hupfumi kuVatema


Dare remakurukota neChitatu rakambomira kuzeya nyaya yemutemo wezvekuendesa hupfumi kuvatema pachityirwa kuti nyaya iyi inogona kuguma yokonzera mutauro wakanyanya nekuunza kunetsana muhurumende yemubatanidzwa.

Nyaya iyi yave kutarisirwa kuzeyiwa svondo rinouya, mushure mekunge makurukota amboverenga zvimwe zviri kuda kuvandudzwa.

Gurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vakabvuma kuti pane zvisungo zvitsva zvichaparurwa mumazuva mashoma anotevera.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nyaya yekuti vatema vatore zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana, ichavandudzwa, zvosiyaniswa pachitariswa bazi nebazi remakambani akasiyanasiyana.

Pari kutarisirwawo kuti pabviswe chisungo chekuti makambani atorwe pasina muripo. Dare raparamende ndiro rakapa kurudziro yekuti makambani anofanira kubhadharwa mari nevanhu vanenge vachida kuita hupfumi mumakambani aya.

Asi pane kunetsana kwakanyanya panyaya yekuti paiswe mutero we indigenization levy wekubhadhara vatema vanenge vachida kutora zvikamu mumakambani.

Mutungamiri weChamber of Mines, VaVictor Gapare, vaudzawo vatori venhau kuti kumigodhi vanoda kuti hurumende iwane zvikamu gumi nezvishanu, asi makambani ozovakirawo vanhu migwagwa nezvikoro.

VaJohn Mufukari ndivo chief executive wesangano re EMCOZ. VaMufukari vanoti vari kufara nekuwandudzwa kwezvinhu.

XS
SM
MD
LG