Accessibility links

Breaking News

Mapurisa eZRP Anoparura Chirongwa cheKudzivirira Kuraraira kweHIV/Aids


Mapurisa eZRP akaparura hwaro hweHIV/AIDS Policy kwaMutare

Zimbabwe Republic Police neChitatu yakaparura hurongwa hwehwaro hwekuyedza kudzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheHIV/AIDS kwamutare. Hwaro uhu hwakananganga nekubatsira mapurisa ari pabasa uye vari pamudyandigere.

Hurongwa uhu hwave nenguva yakareba huchikwenenzverwa paine chinangwa chekuti panosvika gore ra2020 pange pasisina vanoshaya nekuda kwechirongwa ichi. Vanenge vaine chirwere ichi vanenge vachitarisirwa kuwana mapiritsi zviri nyore.

Mukuru wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant Commissioner Dorothy Kupara, avo vakaparura chirongwa ichi, vanoti zvakakosha kuti mapurisa ose aremekedze hwaro hwavapo kuitira kuderedza kuparira kwechirwere ichi. Amai Kupara vanoti hapana chinonyadzisa pakunoongororwa chirwere cheHIV uye pamwechete nekutora mishonga yacho sezvinodiwa.

“Chirwere ichi chakangofananawo neshuga, kana zvakubata gadziriswa, so my officer will ensure kuti zvashandiswa sezvinotarisirwa, uye my officer handifungi kuti pane vachange vachiramba kuzotestwa, uye basa richatowanda kune ma medical officers vachitesitwa.”

Mukuru wemapurisa uyu anotiwo hwaro huripo uhu hunobudisa pachena kuti vanenge vaine chirwere havaizotadziswa kusimudzirwa pabasa. Hwaro uhu hunotiwo vanenge varwara vanokwanisa kumbonozorora zvavo vachipora vachizongodzokera pabasa kana vave kunzwa zviri nani.

Mumashoko avo ekuvhara chiitiko ichi, mumwe mukuru wemapurisa Superintendant Kamanda vanoti hwaro hwavapo uhu huchabatsira mukufambisa basa ravo zvakanaka kunyanya kuvatungamiriri vemakamba kumatunhu ose emunyika.

“Ndinoti kumaDispols (District Police Officers) ose kana masangana nechinhu chiri medical chingakunetsai munongoti ko policy inoti chii? Endai munotitoreraiwo ende rinonzi rakatsetseka rinosuppotwa nePolice Act uye ne the current Labour Laws, tinoiti chii zviya, iSimbi yebasa!”

Mumwe wechipurisa anorarama nehurwere Sergeant Tawanda Mugeri vachipa huchapupu vanoti zvakakosha kuti munhu wega wega, kunyanya kuchipurisa, ararame achiziva paamire mushure mekuvhenekwa ropa.

“Panhau yekuudza vamwe vekubasa, inonzi chii zviya, inonzi disclosure, zviri nani inini ndavakuziva zvandiri zvitori right, ndikaenda kuhospital vave kutondishevedza nefirst name nekuti ndikanzwa parwadza ndotomhanya kuti ndizive kuti chii.”

Hwaro hwekubudisa HIV/AIDS Policy hwakaitwa pachidyidzanwa nemasangano akasiyana-siyana anosanganisira reNational Aids Council, NAC, Population Services International, PSI nemamwewo.

Mukuru weNational Aids Council muManicaland, VaEvans Makoni, vanoti vari kushanda nemapurisa kuti vazadzikise zviri muhwaro mavo.

“Chatiunganidza pano inyaya yeZRP AIDS Policy launch iyi, chirongwa chiripo pakuti National Aids Council yakapuhwa mutoro wekuti irwisane nedenda reHIV. Saka mukuita izvozvo tinoti vanhu vari pamabasa kuti vawanirwe nguva yekuitirwa ma programmes inoita shoma saka kambani ikaita policy yaino implemenda zvinobata vazhinji vanenge vari kumabasa toderedza huwandu hwemari yatinoshandisa pakurapa nekuti vanhu vanenge vadzivirira.”

Vakuru vechipurisa havana kuda kuburitsa pachena kuti chirwere ichi chakapararira zvakanyanya seyi muZRP, kunyangwe hazvo ongororo ichitaridza kuti kuchipurisa kumwe kwemamwe mapoka emabasa kwakatekeshera chirwere ichi kusanganisira kuchiuto, nekuvatyairi vedzimotokari dzinofamba mitunhu mirefu.

Hwaro hwakaparurwa uhwu hucharamba huchiongororwa nekugadzirisa kuti hukwanise kufambidzana neshanduko inenge iriko uye nenguva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG