Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeMutare Yokurudzirwa Kusabhadharisa Vagari Mari Isina Zvairi Kuvaitira


Mutare Civic Center
Mutare Civic Center

Bazi re Urban Development Corporation (UDCORP) riri kukurudzira kanzuru yeguta reMutare kuti iregedze kuramba ichibhadharisa vagari vemumusha wevazhinji we Gimboki South, mari yemitero yezvinhu zvaisiri kupa vagari ava. UDCORP iri pasi pebazi rehurumende rezvekutongwa kwematunhu.

Vagari venzvimbo iyi havana mvura yakachena, masiwegi uye havatakurirwe marara.

Mukuru we UDCORP VaBright Mudzvova vati vachakumbira kanzuru kuti irege tsika yekubhadharisa vagari zvinhu zvaisiri kuvapa.

“Ticharequesta kuti kana paine macharges avenge vachiti imimi mubvise tichataura navo kuti vaite write off izvozvo nekuti we know kuti kuno hapana maservices amange muchiwana saka we are going to tell them that is in writing kuti vaite write off for now kudzimara vave kuita maservices acho.”

VaMudzvova vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita nevagari venharaunda iyi apo vainyunyuta nezvemaitiro ekanzuru. Vakatiwo UdCorp ichabatsira vagari ava kuti vawane mvura nezvimwe zvose zvinodiwa.

“Mutare city council ichaita write off nekuti takatombovaruma nzeve nezvazvo. Panezvivakwa zvandiri kutaura nezvazvo tichaita macostings ekuti tizive kuti kugadzira maroads zvichaita mari yakati, sewerage mari yakati, mvura mari yakati saka tichaita flight maadverts ematenders acho then will let you know through mavarious media ari kuno.”

Asi meya weguta reMutare kanzura Tatenda Nhamarare vanoti havasati vaziviswa nezvenyaya yekuti vabvise kana kurasa chikwereti chevagari vekuGimboki South. Asi vabvuma kuti kanzuru yavo yange isiri kupa vanhu zvavange vachibhadharira mari.

VaNhamarare vanoti zvakare kanzuru yavo yaitarisira kuti vagari ava kana vachinge vachibvisa mari kukanzuru ndizvo zvaizoita kuti vagadzirise musha wavo.

Bazi reUDCORP range richitarisirwa kuti rishandewo nemushandirapamwe uyu kuti rigadzirise zviri kunetsa mumusha uyu zvakafanana nenyaya dzehuori dzange dzoitwa nevamwe vakuru veGimbok.

VaIsau Mupfumi ndivo mumiriri weDangamvura-Chikanga mudare reparamende iyo inosanganisira nzvimbo yeGimboki. VaMupfumi vanoti zvaivashungurudza kwazvo kuti kanzuru yeguta reMutare yaiteresa vagari zvinhu zvaisiri kuita.

“Vanounza mapepa kwamuri ekuti bhadhari mvura, padharai masewer asipo, bhauza rouyisa mvura kuvanhu ivavo vovharazve kwandinoichera vachiti ndinoitengesa, hatidi huwori hwakadaro kukakanzuru, tinoda zvinhu zvinobatsira vanhu remangwana.”

Muzvare Eunice Sibanda mugari wekuGimboki South kuno kwaMutare uyo ari kufara nedanho ratorwa neUDCORP.

“Aaah UDCORP zvayaita tiri kufara nazvo uye tinovimba kuti haiiti zvechitsotsi sezvakaitwa nevakuru vemushandirapamwe. Asi vakaita zvechitsotsi zvinenge zvatoshata nekuti tinotarisira kuti vabatsiri.”

VaBenard Mwanyisa vanofarawo nehurongwa hwekuraswa kwechikwereti chainzi vanacho kukanzuru asi vachiri kuchema nenyaya yavo yekuda kuziva kuti mari yavaibvisa kumushandirapamwe nevamwe ichaitwa seyi sezvo bazi reUdCorp ratora mabasa aiitwa nemushandirapamwe uyu.

“Ini ndave nechichemo chimwe chekuti ndizive kuti imwe mari yandaibvisa kare kuprivate company yemushandirapamwe ichaitwa sei sezvo veUdCorp vatora mabasa ose manje. Zvinoreva here kuti yatonyura iyi mari here?”

Vakuru veUDCORP, bazi rehurumende rezvematunhu vanoti vagari vanemari dziri mumabhanga emushandirapamwe wakamiswa mabasa vasashushikane sezvo mari yakasara mubhanga yakachengetedzeka, uye yave mumaoko mavo.

UdCorp ichange ichishanda nevekanzuru yeguta reMutare, rePhysical Planning mukupedzisa basa rekugadzirisa musha weGimboki South.

XS
SM
MD
LG