Accessibility links

Breaking News

Amai Karenyi Kore Votongwa neMhosva Yekuita Musangano Usina Mvumo


Mumiriri weChimanimani West mudare reparamende, Amai Lynnette Karenyi Kore, pamwe chete nasachigaro weMDC-T kuChimanimani, VaFreddy Diwande, vamiswa neMuvhuro pamberi pedare vachitongwa nemhosva yekuita musangano wezvematongerwo enyika vasina mvumo yemapurisa.

Musangano uyu unonzi wakaitwa gore rapera musi wa 24 Mbudzi kuShinja pedyo nekuVumba.

Pakutongwa kwenyaya iyi, muchuchisi wehurumende, VaWalter Saunyama, vashevedza chapupu chekutanga, Inspector Ariberito Mbuwa, mukuru wepakamba yemapurisa paNyanyadzi avo vaudza dare kuti vakasunga Amai Karenyi Kore pamwe naVaDiwande, sezvo vakange vachiita musangano zviri kunze kwemutemo.

VaMbuwa vaenderera mberi vachiti pamusangano uyu paiva nevanhu vanosvika makumi mashanu uye Amai Karenyi Kore vainge vakapfeka mbatya dzebato ravo rezvematongerwo enyika.

Asi Amai Karenyi Kore, avo vange vakamirirwa mudare negweta ravo, VaDavid Tandiri, varamba mashoko ekuti musangano wavo waive wezvematongerwo enyika asi kuti wakange uri wekuda kugadzirisa chikoro chepaShinja Primary icho chine marata akatorwa nemhepo.

VaTandiri vapikisa mhosva iri kupomerwa Amai Karenyi Kore vachiti musangano webudiriro wakadai haudi mvumo yemapurisa yekuti uenderere mberi, asi kuti waingoda kuzivisa mapurisa nezvawo chete.

Mutongi wedare, Muzvare Chiwundura, vati kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi nemusi weChina apo zvimwe zvapupu zvehurumende zvichashevedzwa kudare.


Mune imwewo nyaya, sachigaro weMDC-T kuManicaland, VaJulius Magarangoma, vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neChipiri vachipomerwa mhosva yekutyisidzira kuuraya nhengo dzeZanu PF dzekuBuhera.

VaMagarangoma, avo vari kuramba mhosva iyi vanonzi vakatyisidzira vatsigiri veZanu PF gore rapera vachiti vaizourayiwa kana vakasatsigira MDC musarudzo.

Nyaya iyi inonzi yatora nguva yakareba isati yapinda mudare sezvo gweta raivamiririra, Va Chris Ndlovu, vange vasiri kuzivikanwa kuti varipi.

Gweta remaMutare, VaTrust Maanda, ndivo vachange vachizomirira VaMagarangoma pachapinda nyaya iyi mudare.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG