Accessibility links

Breaking News

Mutambi weTsiva Madziwane Orwira Mukombe weSuper Bantamweight


Mutambi wetsiva wemuZimbabwe, Tinashe Madziwane, apihwa mukana wekuita mukurumbira pasi rose apo arikupinda munhandare achirwira mukombe weAfrica Boxing Union wehuremu hweSuper Bantamweight.

Madziwane, uyo ave nemakore makumi matatu nemaviri ekuberekwa, awana mukana wekuita mukurumbira asati aregedza tsiva apo ari kurwira mukombe weAfrica Boxing Union naNathaniel Kakololo wekuNamibia.

Vaviri ava vari kupinda munhandare musi wa 27 Kukadzi muWindhoek, Namibia, vachirwira mukombe uri mumaoko maKakololo.

Akarova Kakololo, Madziwane anozvivhurira nzira yekurwira mukombe weWorld Boxing Council sezvakaitwa naCharles Manyuchi sezvo ABU neWBC dziine hukama hwakasimba.

Murairidzi wake, VaClyde Musonda, anoti vanga vakamirira mutambo uyu kwenguva refu zvekuti vari kugadzirisa zvakasimba kuti vakunde.

VaMusonda vanoti havasi kuda kutambisa mukana wavawana sezvo vari ivo vakumbira mukana wekurwira bhande iri.

Asi Madziwane anoti ari kuona atodarika pana Kakololo zvekuti ari kuda mukombe wepasi rese weWBC sezvo mazuva ake mumutambo uyu ave kusvika kumagumo.

Vatambi vana chete muZimbabwe; Proud Kilimanjaro Chinembiri, Langton Schoolboy Tinago, Stix McLoud naCharles Manyuchi, ndivo vakwanisa kutora mukombe wemuAfrica uyu kubvira muna 1980 apo Zimbabwe yakatenderwa kukwikwidza nevekune dzimwe nyika.

Asi Madziwane anoti pane vatambi vakawanda munyika muno vanokwanisa kusvika pachinhanho ichi asi vari kushaya ruyamuro rwakasimba rwekuzadzisa maroto avo.

Madziwane, uyo akatanga zvetsiva muna 2006, atamba mitambo makumi maviri nemisere, achikunda mumitambo gumi neminome pamwe nekurohwa mumitambo gumi. Akaita mangange mumutambo mumwe chete.

Asi mutambi uyu akapedzisira kupinda munhandare musi wa 10 Chivabvu muna 2019 apo akarova Tinkani Kamanga wekuMalawi mumutambo watarisawo kuti atenderwe kurwira mukombe wemuAfrica uyu.

Asati atamba naKamanga, Madziwane aive arova Richard Kachidza wekuMalawi zvekare.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG