Accessibility links

Breaking News

MuSouth Africa Moita Mhirizhonga Inotyisa Vekunze Vachirwiswa


Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa

Zvizvarwa zveSouth Africa zvaswera zvichiita hwakiti nagonzo nemapurisa emunyika iyi muJohannesburb, Durban nemamwe maguta apo zvange zvichirwisa zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri kushanda munyika iyi.

Vekunze ava vainge vavimbiswa kuti vakasvika nhasi vari munyika iyi vaizoitwa kafiramberi. Vekunze ava kusanganisira vanobva kuZimbabwe, Nigeria, Somalia nedzimwe nyika vanoti vave kugara vakabatira hana mumaoko sezvo munyika iyi nekutyira hupenyu hwavo.

Kuri kutyirwa kuti kune vanhu vafa uye midziyo yakawanda yaputswa kana kupiswa mumaguta akawanda uye zvinhu zvakawanda zvabiwa.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Exiles Forum VaGabriel Shumba vati pane runyerekupe rwekuti vamwe vanhu vatatu vanogona kunge vafa. Asi mamwe mapepanhau ati munhu mumwe chete apfuurwa akafa.

Mutungamiri wesangano reInternational Cross Border Traders Association VaDenis Juru vati nzvimbo dzakawanda hadzisi kusvikika. Vatizve vatyairi vemarori vari parumananzombe uye vakawanda vari kutya kuenda kumabasa.

Mumwe mutyairi wemarori ari chizvarwa cheZimbabwe VaRonnie Mabororo vanoti vaswera vari pamba sezvo vange vachityira hupenyu hwavo.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuDurban VaWhisper Ganya vanotiwo zvnhu hazvina kumira zvakanaka kwavari.

VaShumba vakurudzira vatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAfrica kuti vapindire sezvo zvinhu zvaita manyama amire nerongo muSouth Africa uye hurumende yenyika iyi iri kukundikana kuvachengetedza.

Mukuru wemapurisa muJohanesburg VaDavid Tembe vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti vanhu makumi mapfumbamwe vasungwa.

Vati mapurisa ari kushora zvikuru mhirizhonga iyi. Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vange vachitarisirwa kutaurawo nezvenyaya iyi manheru anhasi asi hatina kuykwanisa kubata mutauriri wava Muzvare Khusela Diko.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG