Musika wemabhuku weZimbabwe International Book Fair, ZIBF, wakavhurwa muHarare nezuro paine kuchema chema kwekuti kudhindwa nekuburitswa kwemabhuku kuri kukanganiswa nemamiriro ezvehupfumi munyika.
Vachivhura ZIBF, sachigaro webhodhi remusika wemabhuku VaJasper Maenzanise vanoti vanodhinda nekuburitsa mabhuku vari kusangana nezvimhingamupinyi zvakawanda zvinosanganisira kushaya mari yekuAmerica yekutenga zvinhu zvakaita semapepa neingi izvo zvinotengwa kunze kwenyika.
VaMaenzanise vanoti rimwe dambudziko riri kunetsa ndere kuti vanhu vakawanda havachakwanise kutenga mabhuku sezvo zvekudya zvave kudhura.
Vachitaurawo pamusangano wekuvhura musika wemabhuku, munyori ane mukurumbira VaIgnatius Mabasa vanoti vakuru vemuhurumende vari kutadzisa vamwe vanyori kuburitsa zvinyorwa zvavo vachiti vanenge vachiti vari kushora hurumende nekuratidza mifungo yakasiyana.
VaMabasa vanoti kuuraya nyika kuri kuitwa nevakuru vehurumende vasingatambire dzimwe pfungwa dzavo vasingadi kuti vanyori vaburitse zvinenge zvichiitika mavanogara.
Muzvare Roseline Torai Kumvekera vanova mudzidzisi mukuru pachikoro chinodzidzisa vadzidzi cheNyadire vanoti vabereki havafanirwe kurega vana vachidzidziswa nezvivhitivhiti pamwe nemimwe michina yechizvinozvino.
Muzvare Kumvekera vanoti vabereki vanofanirwa kuve nechekuita mukudzidziswa kwevana kuti vasaite mombe dzemashanga sezviri kuitika.
Munyarikani mukuru pamusangano wanhasi Muzvinafundi Peter Wasamba vanobva kunyika yeKenya vanoti hurumende dzemuAfrica hadzifanirwe kudzvanyirira vadzidzi nevadzidzisi nezvikoro zvepamusoro kuti pave nebudiriro munyika.
Muzvinafundo Wasamba vanoti hurumende dzinofanirwa kupa zvikoro zvepamusoro mari dzekuita tsvakiridzo kana kuti research, kuti paite budiriro munyika.
ZIBF iyo yakatanga mugore ra1983 inoitwa gore rega rega muHarare munaNyamavhuvhu asi gore rino yakamiswa kaviri kekutanga nekuda kwesarudzo dzemutungamiri wenyika, kechipiri nekuda kwechirwere chekorera icho chakauraya vanhu vanosvika makumi mashanu muHarare.
ZIBF gore rino iri kuitwa pasi pedingindira rekuti mabhuku ndiwo anoumba ramangwana kana kuti : 'The Book: Creating the Future'.
Facebook Forum