Musangano we United Nations wekuwongorora pasvika pasi rose mukurwisa HIV/Aids wakapera mukupera kwesvondo mu New York paine wirirano yekutora matanho akaomarara kuitira kuti dambudziko rechirwere cheshuramatongo ripere.
Vatungamiriri venyika, vemasangano anorwisa HIV, vakazvimirira, vana chiremba nevamwe vakawirirana kuva nechisungo chekurwisa dambudziko iri pasi pedingindira rinoti “Zero New Infections, Zero Stigma and Zero AIDS Related Deaths”.
Musangano uyu, uyo wakaitwa munguva iyo pasi rose ranga richirangarira kusvika makore makumu matatu kubva pakatanga kuzivikanwa HIV, wakabuda nechisungo chekuti mari dzinotumidzirwa kubva munyika dzichienda kune dzimwe nyika, dzive nemutero unobhadharwa pose padzinotumirwa.
Mari yemutero iyi ndiyo inozoshandiswa mukuumba homwe yemari ichashandiswa mukurwisa HIV/Aids.
Pasi rose riri kutarisira kuti vanhu vanosvika mamiriyoni gumi nemashanu vachange vava kunwa mishonga yema Anti Retroviral Drugs mugore ra 2015.
Pari zvino mamiriyoni matanhatu chete ndiwo ari pamishonga iyi.
Amai Loice Chingandu ndivo mukuru we SaFaids uye vakapindawo musangano uyu. Amai Chingandu vanoti musangano wakafamba zvakanaka ukabuda nezvisungo zvinofanira kuzadziswa.
Gurukota rezvehutano, Va Henry Madzorera, avo vakapindawo musangano uyu, vanoti vachanopakurira hurumende zvakabuda mumusangano kuti zvizadziswe mukurwisa HIV/Aids.