Accessibility links

Breaking News

Musangano weTNF Wotanga Svondo Rinouya


VaPaul Mavhima
VaPaul Mavhima

Mushure mekupedza nguva yakareba pachinakurirwa nyoka mhenyu nenyaya yekuita musangano unounza pamwe chete vashandi, vashandirwi nehurumende weTripartite Negotiating Forum, musangano uyu wave kutarisirwa kuitwa vhiki rinouya nemusi wa 5 Kukadzi.

Munyori mukuru wesangano reZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti musangano wange wakamirirwa wave kuzoitwa mushure mekupera kwegadziriro yange ichiitwa.

Mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe Industries, Doctor Israel Murefu, vatenderana naVaMoyo nezvezuva iri.

VaMoyo vanoti vashandi vanoda kuti vasambunyikidzirwe kodzero dzavo panenge poitwa nhaurirano idzi.

Kudivi revashandi, VaMurefu vanoti vari kuda kuti nyaya yemari igadziriswe sezvo dhora remunyika riri kuramba richishaya simba.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vanoti zvakakosha kutaura nyaya yemari iyi muTNF.

Gurukota rezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti vari kuda kuti paparurwe hofisi inenge yakamirira TNF.

Vanoti vakatoisa chikumbiro kuti vabatsirwe nemari neInternational Labor Organization.

VaMavima, VaMurefu naVaMoyo pari zvino vari kuVictoria Falls kumusangano uri kukokerwa neInternational Labour Organization.

Gore rapera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaisa runyoro rwavo pachibvumirano cheTNF kuti uve mutemo nechinangwa chekugadzirisa hupfumi hwenyika hwaenda kumawere.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG