Musangano weTripartite Negotiating Forum kana kuti TNF wange uchifanira kuitwa neChina wekuzeya nyaya yekuti mushandi wepasi pasi munyika yose otambira marii hauna kuzoitwa sezvo sachigaro wemusangano uyu, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vange vakabatikana.
Asi izvi hazvina kufadza sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU.
Gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti hakuna zvizhinji zvaikwanisa kuitwa kana VaNcube vasipo sezvo vari ivo vakabata homwe yemari.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti zvinenge zvakanakawo kuti vanhu vaudzwe pachine nguva kuti musangano hauchisiri kuitwa.
Mutungamiri wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, vanoti vange vasumwa havo nenyaya yekuti VaNcube vanenge vasipo asi vakawedzerawo kuti panoda kuzeyiwa nyaya yekudonha kwedhora remunyika.
Facebook Forum