Accessibility links

Breaking News

Musangano weSADC Wotarisirwa Kukurukura Gakava reZimbabwe


Musangano weSADC wekuzeya nyaya yeZimbabwe uri kutarisirwa kuitwa neMugovera kuSandton muJohannesburg, kuSouth Africa, paine tarisiro yekuti pangangoburitswa hwaro hwesarudzo kana kuti election roadmap, pamwe nekuzadzisa zvimwe zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Musangano uyu ndiwo zvakare uri kutarisirwa kutara nguva inofanirwa kupedzwa kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, iro richazoshandiswa mukuitwa kwesarudzo dzakachena munyika.

Dzimwe nyaya dziri kutarisirwa kukurukurwa nezvadzo inyaya dzekuvandudzwa kwemapoka anochengetedza runyararo munyika pamwe nekusharwa kwemagamba enyika.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vasangana nemutungamiri weSouth Africa, uye vari muyananisi pagakava remuZimbabwe, VaJacob Zuma, vakakurukura mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika, musangango weMugovera usati waitwa.

Ukuwo mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vaenda kunobata maoko mhuri yekwaSisulu, zvichitevera kushaya kwakaita Amai Albertina Sisulu. Hazvina kujekeswa kana VaTsvangirai vasanganawo naVaZuma.

Bato reDemocratic Alliance rekuSouth Africa raburitsawo mashoko ekukurudzira VaZuma kuti vashandise masimba avo semuyananisi mukuona kuti sarudzo hadziitwe muZimbabwe kusvika pabvumiranwa nemapato ose kuti sarudzo dzichange dzakachena.

Masangano akazvimirira pamwe nevanoongorora zvematongerwo enyika vari kukurudzirawo SADC kuti itevedze zvisungo zvayakaita kumusangano wayo wakaitirwa kuLivingstone, Zambia mukupera kwaKurume.

SADC Troika yakakurudzira VaMugabe nebato ravo reZanu PF kuti vasiyane netsika yemhirizhonga uye kuti vatevere zviri muchibvumirano cheGPA.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vaudza Studio7 kuti havatarisiri zvikuru zvingabuda mumusangano uyu, asi kuti uchabatsira mukujekesa ramangwana renyika munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Zvichakadaro, mapato maviri makuru ari kunetsana muhurumende yemubatanidzwa muZimbabwe aswera achiudza vanhu zvaari kuda kuti zviitwe pamusangano weMugovera uyu.

MDC-T iri kukurudzira SADC kuti igamuchire zvisungo zvose zvakabuda mumusangano wekuLivingstone, kuZambia, izvo zvinoshoropodza mhirizhonga nekusagadzikana kwezvinhu kuZimbabwe.

Ukuwo Zanu PF iri kuti SADC isatambire zvimwe zvezvisungo izvi.

XS
SM
MD
LG