Accessibility links

Breaking News

Musangano weSADC Unopera kuAngola Uchikomekedza Zimbabwe Kuremekedza Zvisungo


Musangano wechimakumi matatu nemumwe weSADC Ordinary Meeting wanga uchiitirwa muLuanda, kuAngola, wapera paine zvisungo zvaitwa panyaya yegakava riri muZimbabwe.

Zvisungo izvi zvinosanganisira kuti muyananisi uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, varambe vari muyananisi mugakava reZimbabwe. SADC yatiwo mapato ari muhurumende ava pedyo pakuwirirana panguva ichaitwa sarudzo.

Gwaro rezvisungo, kana kuti communique, ranga risati rabuda panguva yataenda pamhepo.

Asi munyori weSADC, VaTomaz Salomao, vaudza Studio7 kuti zvakasungwa kumusangano wakaitirwa kuSandton muJohannesburg kuSouth Africa muna Chikumi, zvekuti mapato ari muhurumende yemubatanidzwa abude nehwaro hwesarudzo, uye kutara nguva inofanirwa kuitwa sarudzo, zvatambirwawo muzvisungo zvaitwa.

VaSalomao vatiwo chikwata chevanhu vatatu vakasharwa neSADC Troika kuti vashande nenhumwa dzaVaZuma pamwe neJomic, chiri kutarisirwa kupinda muZimbabwe munguva pfupi inotevera.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, ndivo vave sachigaro mutsva weSADC Troika. Vamwe muZanu PF vainyunyuta kuti VaZuma havangaitwe muyananisi mugakava reZimbabwe, munguva imwe cheteyo vari sachigaro weTroika.

Mutungamiri weAngola, VaEduardo Dos Santos, ndivo vave sachigaro weSADC.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatosvika kare muZimbabwe zvichitevera kupera kwemusangano wepagore wenyika dzekuchamhembe kweAfrica.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari maneja wezvirongwa zveCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vaudza Studio7 kuti vanofadzwa nezvasungwa neSADC sezvo zvisiri kupa mukana kuZanu PF wekuti imanikidzire kuti sarudzo dziitwe chete gore rino.

XS
SM
MD
LG