Accessibility links

Breaking News

Musangano weMangoda Unopera Pasina Kuwirirana muSouth Africa


Nyanzvi munyaya dzemangoda dzasangana neChitatu nenhengo dzeKimberley Process kumusangano waitirwa kuWitwatersand University mu Johannesburg kuSouth Africa.

Musangano uyo wakarongwa neCentre for Research and Development, kana kuti CRD, pamwe neSouth African Institute for International Affairs.

Nhengo dze Affirmative Action Group dzapindawo mumusangano uyu.

Mukuru we CRD, Va Farai Maguwu, vanoti nhengo dzeKP nevamwe vakazvimirira vaongorora zviri kuitika kwaMarange, zvikuru sei nyaya yemauto ari kuramba ari kwaMarange, pamwe nekusabatwa zvakanaka kuri kuitwa vagari vemunzvimbo iyi.

Va Maguwu vati vapinda musangano uyu vati KP inofanira kukurudzira SADC kuti ikurudzire Zimbabwe kuti ibate nyaya yemangoda zvakanaka, kudzvivirira bongozozo munyika nezvimwe zvakadaro. Zvinonzi vapinda mumusangano vawirirana zvakare kuti nyaya dzezvematongerwe enyika dzinofanira kubuditswa munyaya dzekucherwa nekutengeswa kwemangoda ekwa Marange.

Mutungamiri weAffirmative Action Group, Va Supa Mandiwanzira, vanoti vanopokana nezvataurwa nemasangano akazvimirira ega zvekuti kwaMarange vanhu vari kudzvanyirirwa, kurohwa nekuuraiwa.

VaMandiwanzira, avo vapindawo mumusangano uyu, vanoti masangano akazvimirira ega ainga atadza kuburitsa umbowo hwevanhu vavanoti vakafa kana kukuvadzwa zvine chekuita nemangoda ekwaMarange.

XS
SM
MD
LG