Accessibility links

Breaking News

Musangano weKuzeya Hurongwa hweBhajeti ra2011 Unopera kuVictoria Falls


Musangano wekuzeya hurongwa hwemashandisirwo emari yehurumende mugore ra2011, uyo wanga uchipindwa nenhengo dzeparamende, pamwe nevemabhizimusi, wapera kuVictoria Falls uine zvisungo zvekutambira hwaro hwemashandisirwo emari hwakaturwa nebazi rezvemari.

Vapinda musangano uyu vaudza studio 7 kuti hurumende iri kutarisira kushandisa mari iri pakati pe$2.5 billion ne$3 billion mugore rinouya.

Musangano uyu unonzi wakurudzira kuti zvikamu gumi nezvishanu zvebhajeti iri zviendeswe kubazi rezvehutano, kwotiwo zvikamu gumi zvoendeswa kubazi rezvekurima. Zvimwe zvinonzi zvakurudzirwa ndezvekuti makambani ari pasi pehurumende asiri kushanda zvakanaka, abviswe mumaoko ehurumende.

Musangano uyu unonzi wakambovhiringidzwa nemusi weChina mushure mekunge nhengo yeConfederation of Zimbabwe Industries, VaJoseph Kanyekanye, vashoropodza zvirango zvavaiti zviri kukanganisa mafambiro emakambani, izvo zvisina kufadza nhengo dzemapato maviri eMDC.

Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvebajeti, VaWillas Madzimure, vaudza Studio7 kuti nhengo dzeparamende dzakurudzirawo kuti zvicherwa zvese zvive pasi pehurumende uye kuti hurumende itore zvikamu makumi mana nezvishanu zvemari inenge yawanikwamo.

XS
SM
MD
LG