Accessibility links

Breaking News

Musangano Wekukwezva Mabhizinesi Wotanga muHarare neChipiri


Musangano mukuru wemazuva maviri wekukwezva vemabhizinesi kuti vasime mari dzavo muZimbabwe uri kutanga muHarare neChipiri.

Musangano uyu uri kuitwa kwemazuva maviri uine chinangwa chekusimudzira hupfumi hwenyika.

Musangano uyu, uyo uri kutsigirwa nesangano reEuro Money, unoitika mazuva mashoma mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabuda pachena vachiti vachabvuta makambani enyika dzekunze dzavanoti dzakatemera Zimbabwe zvirango.


Mashoko aVaMugabe aya anonzi ari kuita kuti vamwe vanoda kuisa mari yavo muZimbabwe vatye sezvo pasina mitemo yakasimba inochengetedza hupfumi hwavo.


Musangano uyu uchapindwa nevakuru vakuru muhurumende, pamwe nevemabhizinesi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda neZimbabwe Coalition on Debt and Development, VaMasimba Kuchera, vanoti pane kutyirwa kukuru nevezvehupfumi padanho riri kurongwa nedivi reZanu PF muhurumende rekuda kubvuta makambani ekunze.

XS
SM
MD
LG