Accessibility links

Breaking News

Musangano weAfrican Union Wapera Pasina Chataurwa Pamusoro peZimbabwe


Musangano wevatungamiri we African Union wapera ku Ethiopia pasina chataurwa pamusoro pe Zimbabwe kunyange hazvo mutungamiri wenyika, va Robert Mugabe, vanga vaenda kumusangano uyu kunotsvaga rutsigiro rwevamwe vatungamiri ve Africa kuti Zimbabwe iite sarudzo gore rino.

Musangano wevatungamiri we African Union wapera mu Addis Ababa ku Ethiopia pasina chataurwa pamusoro pe Zimbabwe kunyange hazvo mutungamiri wenyika, va Robert Mugabe, nevamwe vavo mu Zanu-PF vanga vaenda kumusangano uyu kunotsvaga rutsigiro rwevamwe vatungamiri ve Africa kuti Zimbabwe iite sarudzo gore rino.

Zanu-PF iri kuda kuita sarudzo nechimbi chimbi gore rino, asi mamwe mapato ari muhurumende e MDC ari kuti sarudzo dzinofanira kuitwa chete kana pava nebumbiro idzva, uyezve nyaya dzesarudzo dzagadziriswa.

Zvichakadaro, musangano we African Union waburitsa mashoko ekuti sarudzo dzekutsvaga sachigaro mutsva we African Union Commission, hadzina kuburitsa munhu ahwina kunyange hazvo va Jean Ping veku Gabon vakunda amai Nkosazana Dhlamini-Zuma veku South Africa.

Va Ping havana kuwana mavhoti anodiwa kuti munhu agadzwe sasachigaro. Anga ari mutevedzeri wava Ping, va Erastus Mwencha veku Kenya, ndivo vachambobata matomu kusvika dzimwe sarudzo dzaitwa muna chukumi.

Masangano emu zimbabwe akazvimirira ega anga ari ku musangano uyu achikuridzira kuti dzimwe nyika dzemu Africa dzidzivise Zimbabwe kuita sarudzo gore rino kusvika paita bumbiro idzva.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, vaThabani Nyoni, vati mutungamiri weSouth Africa vaJacob Zuma vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe ndivo chete vaka kapa gwaro remamiriro akaita zvinhu muZimbabwe kuAU.

XS
SM
MD
LG