Accessibility links

Breaking News

Musangano We MDC Unombomisa Vakuru Weku United Kingdom Basa Pamusoro Pemari


Bato reMDC rinotungamirirwa naVa Morgan Tsvangirai rinoti riri kutumira sachigaro webato iri VaLovemore Moyo nemutevedzeri wemubati wehomwe Va Elton Mangoma kunoita mhengenuro yemamiriro akaita zvinhu mubato iri ku united kingdom kutanga kwegore rino.

Vanotungamira MDC mu UK ne Ireland vakambomiswa basa vachipomwerwa mshova yehuori. Mari inosvika 57-000 pounds inonzi haisi kuzivikanwa kuti yakafamba sei.

Mutauriri we MDC Va Nelson Chamisa vati nyaya iyi iri kushusha musangano wavo, kusanganisira mamwe matambudziko ari kuwanikwa mune mamwe mahofisi anomirira MDC ku South Africa ne America.

Mumwe wevatungamiriri ve MDC mu UK VaMakusha Mugabe vari kuramba kuti pane mari dzisina kufamba zvakanaka. Vati mari dzese dzakatsvagwa nehofisi yavo dzakaendeswa kuHarare kuburikidza nevanhu vainga vasarudzwa nevakuru vavo kumusha.

XS
SM
MD
LG