Tarisiro yemusangano pakati pevari kumirira mubatanidzwa weMDC Alliance VaNelson Chamisa nemutungamiri weZanu PF uwe vari mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa kuti vakurukure maererano nesarudzo dziri kuuya musi wa 30 Chikunguru yoshaya basa sezvo VaMnangagwa vari kunzi vakaramba zvachose kusangana naVaChamisa sarudzo dzisati dzaitwa.
Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba vanoti VaMnangagwa havana hurongwa hwekusangana naVaChamisa kunze kwekumirira musi wesarudzo nekuti havaoni zviine chazvinovabatsira kusangana naVaChamisa pari zvino.
VaCharamba vanoti kana VaChamisa vachida kusangana nemukuru wenyika ngavabatane nevamwe vavo vese vari kukwikwidza voita musangano mumwechete, kwete wavo ivo vari vega.
Asi mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti uyu wanga uri mukana wekuti vaviri ava vawirirane kuita sarudzo dzakachena uye kuonesana mune zvinoda kugadziriswa nekuti ndivo vatungamiriri vakatarisirwa neruzhinji rwevanhu. VaSibanda vanoti Zanu PF iri kuratidza kuti iri kutya kukundwa musarudzo.
Murongi wemusangano muMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaAmos Chibaya, vaudza Studio 7 kuti nguva yekugadzirisa zvinoda kugadziriswa yapera mazuva esarudzo atosvika, vachitiwo zvanga zvakanaka chose kuti VaMnangagwa naVaChamisa, sevatungamiriri vemapato ane mukurumbira munyika, vagare pasi kuitira kuti vaonesane zvinodiwa nezvizvarwa zveZimbabwe.
Facebook Forum