Accessibility links

Breaking News

Murairidzi wemaWarriors Odoma Vatambi veMakwikwi eCHAN


Murairidzi mutsva wechikwata chemaWarriors, Zdravko Logarusic nhasi adoma chikwata chevanhu makumi maviri nevasere vachaita gadziriro yemakwikwi e2020 Africa Nations Championship kana kuti CHAN achatambirwa kuCameroon kuva musi wa 4 kusvika 25 Kubvumbi. Lugausic anobva kuCroatia uye akamborairidza kuSudan.

Zimbabwe iri mugungano rine Cameroon, Mali neBurkina Faso. Zimabbwe ndiyo iri kutarisirwa kuparura makwikwi aya apo ichatamba neCameroon.

Mitambo yeCHAN inotambwa nevatambi vanenge vari munyika chete. Vatambi vadomwa vanoti

Vepagedhe: Simbarashe Chinani, Ariel Sibanda, Nelson Chadya, Talbert Shumba.

Vekumashure: Xolisani Ndlovu, Qadir Amin, Frank Mukarati, Partson Jaure, Peter Muduwa, Liberty Chakoroma, Ian Nekati, Raphael Muduviwa.

Vepakati: Marlon Mushonga, Moses Muchenje, Devon Chafa, Trevor Mavhunga, Kelvin Madzongwe, Phineas Bamusi, Juan Mutudza, King Nadolo, Wellington Taderera, Ishmael Wadi, Valentine Kadonzvo, William Manondo, Kelvin Chibunyu na Stanley Ngala.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG