Accessibility links

Breaking News

Murairidzi weDynamos Lloyd Mutasa Anoti Anofunga Kuti Anosimudza Mukombe weCastle Premier Soccer League


Murairidzi weDynamos Lloyd Mutasa anoti vachirimo mukurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League kunyange hazvo vakarohwa 1-0 neCaps United nemusi weSvondo.

Mutasa anoti kurohwa kwavakaitwa neCaps United nezuro hazvireve kupera kwenzira achiti iye Dynamos ichirimo mumakundano ekutora mukombe weligi uyo vakapedzisira kutora muna 2014.

Dembare yakarohwa 1-0 pamberi pechaunga chaityisa mushure mekunge Denver Mukamba uyo vakadzinga kuchikwata vachimupomera mhosva yehunhubu arova mambure.

Dynamos ine mapoinzi matatu chete, mapoinzi gumi nematanhatu pasi pechikwata chiri kutungamira cheNgezi Platinum Stars uyezve vakaenzana mapoinzi nechikwata chiri pasi pasi cheZPC Kariba.

Asi Mutasa anoti avo vari kuti Dynamos inobuda mumakundano aya mukupera kwemwaka uno vari kurota hope dzakaipa.

Ngezi Platinum Stars yave pamusoro pemakundano aya mushure mekurova Mutare City Rovers 2-1 musi mumwechetewo FC Platinum yakashanya ndokunorohwa 2-0 neBulawayo Chiefs.

Parizvino, Ngezi Platinum Stars ine mapoinzi gumi nemapfumbamwe ichiteverwa neHighlanders iyo ine mapoinzi gumi nemanomwe mushure mekurova Shabanie Mine 3-1.

Kurova kwavakaita Dynamos kwasiya maGreen Machine eCaps United ave pachinhanho chechitanhatu nemapoinzi gumi nemaviri.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi…..

Highlanders 3 Shabanie 1

Yadah 0 Nichrut 2

Chapungu 1 Herentals 0

Bulawayo City 1 Triangle 2

ZPC Kariba 1 Chicken Inn 1

Kwatambwa mitambo minomwe zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi…

Ngezi Platinum Stars 19 points

Highlanders 17 points

FC Platinum 16 points

Triangle 13 points

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi….

Mutare City Rovers 5 points

Bulawayo City 4 points

Dynamos 3 points

ZPC Kariba 3 points

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG