Accessibility links

Munyika Moita Manyama Amire neRongo

  • Blessing Zulu

Zimbabwean President Robert Mugabe (R) and Prime Minister Morgan Tsvangirai arrive at a rally marking Zimbabwe's 31st independence anniversary celebrations in Harare (File Photo - April 18, 2011)

Manyama amire nerongo munyaya dzezvematongerwo enyika anonzi ari kuwedzerwa zvikuru nezviri kuitwa nemapurisa pamwe nevasori avo vari kuonesa chitsvuku vagari vemuGlen View nedzimwe nzvimbo.

Mapurisa ari kuti nhengo dzeMDC ndidzo dzakauraya Inspector Petros Mutedza nemusi weSvondo muGlen View. Asi vatsigiri veMDC, avo vari kuramba mhosva yekuponda mupurisa uyu, vanoti nyaya yekufa kwemupurisa uyu yave kupa kuti Zanu-PF ishandise mukana uyu kushungurudza vanhu vanoipikisa.

Izvi zviri kuwedzerwawo nemashoko evakuru vemauto avo vave kuramba vachiti hapana munhu asina kuenda kuhondo achafa akatonga nyika.

Zanu-PF ndiyo iri kuimba rwiyo rwekuti kuitwe sarudzo gore rino, kunyange hazvo veMDC vachiti pane zvakawanda zvinoda kutanga zvagadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa.

Nekune rimwe divi, mumakambani hamuna chakanaka nekuti veZanu-PF vari kutiwo vari kuda zvikamu zvehupfumi makumi mashanu nechimwe kubva muzana.

Vamwe vanoti iri idanho riri kutorwa neZanu-PF pari zvino, kuitira kuti ritsvage rutsigiro. Asi vamwe vanoti hapana chakaipa kuti hupfumi huende kuvatema.

Mutauriri weMDC-T muHarare, Senator Obert Gutu, vanoti munyika munofanirwa kugadzikana kodzero dzevanhu dzichiremekedzwa.

Nhengo yeZanu-PF inomiririra Mwenezi East mudare reHouse of Assembly, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti veMDC ndivo vokanganisa nyika nemhirizhonga yavari kuita.

XS
SM
MD
LG