Accessibility links

Breaking News

Munhu Mumwe Chete Ofa Vana veChikoro Vasere Vachibatwa neCovid-19 neSvondo


Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weSvondo zvasiya vafa nacho vave kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi matatu nevanomwe kana kuti 4, 637.

Vanhu makumi matatu nevana kusanganisira vana vechikoro vanomwe vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho vave zviuru zana nemakumi matatu zvine mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nematanhatu kana kuti 131, 796.

Vanhu vabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru zana nemakumu manomwe nechimwe zvine mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nevasere kanba kuti 3 171 698.

Vabayiwa nhomba kaviri sezvinokurudzirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana nemapfumbamwe zvine mazana maviri nevana kana kuti 2, 409 204.

Bazi rezvehutano rinoti rine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG