Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 muBulawayo nMugovera. Izvi zvinoreva kuti vanhu vafa nyika yose vave mazana maviri nemakumi mana nevatatu kana kuti 243.
Vanhu vashanu vakabatwawo nechirwere ichi uye vose vari muBulawayo makare munova mavakachitapurirwawo munharaunda zvekare.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika vave zviuru zvisere nemazana matatu ane makumi matanhatu nemanomwe kana kuti 8, 367.
Vanhu gumi vakaporawo kubva kuchirwere ichi, uye vanomwe vacho vari muBulawayo vamwe vatatu kuMasvingo. Vapora nyika yose vave zviuru zvinomwe nemazana masere nemakumi mapfumbamwe nevana kana kuti 7, 894.
Vanhu vachiri kurwara mazana maviri nemakumi matatu kana kuti 230. Pavanhu vari kurwara ava, zana nevaviri kana kuti 102 vari muBulawayo uye makumi matanhatu nevatatu vari muHarare.
Asi kuMashonaland East neMasvingo hakuchina kana munhu mumwe chete ari kurwara neCovid-19 parizvino. kuMashonaland Central kune munhu mumwe chete chete.
Nezuro kwakavhenekwa vanhu mazana matanhatu nemakumi masere nemumwe kana kuti 681.
Pavanhu ava, mazana mashanu nevatanhatu kana kuti 530 vari muHarare muBulawayo makumi mana nevapfumbamwe uye Manicaland makumi mapfumbamwe nevana.
Ko chii chiri kupa kuti zvinhu zviite kunge zvisina kumira zvakanaka muBulawayo? Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambotungamira Chitungwiza Hospital, Dr Enoch Mayida vanoti vamwe vanhu vanonzi vanenge vabatwa nechirere ichi muBulawayo vanenge vari vemumamwe maguta asi vavhenekerwa mudhorobha iri.
Facebook Forum