Accessibility links

Breaking News

Munhu Mumwe Chete Of neCovid-19 kuBulawayo


Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kuBulawayo nemusi weMugovera zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nevana kana kuti 1, 594.

Vanhu gumi nevashanu vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru makumi matatu nemasere zvine mazana mapfumbamwe nemakumi matatu nevatatu kana kuti 38, 933.

Vamwe vanhu gumi nevashanu vakaporawo nezuro zvasiya vapora vave zviuru makumi matatu nematanhatu zvine mazana mashanu nemakumi manomwe nevasere kana kuti 36, 578. Vanhu vachiri kurwara mazana manomwe nemakumi matanhatu nemumwe kana kuti 761.

Vanhu vabayiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 vave zviuru mazana matanhatu nemakumi matanhatu nematanhatu zvine mazana manomwe nemakumi masere nevatanhatu kana kuti 666, 786.

Pavanhu ava, vabayiwa nhomba kechipiri sezvinokurudzirwa navanamazvikokota munyaya dzezvehutano vave zviuru mazana matatu nemakumi matatu nemashanu zvine mazana matanhatu nemakumi manomwe nemapfumbamwe kana kuti 335, 679.

Hurumende inoti inoda kubaya vanhu mamiriyoni gumi kuti nyika ikwanise kudziviririka mukupararira kwechirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG